John 21:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Ʋuyai, muȿuȿure. Kwakaŋga kusinomumŋe waʋadzidzi ʋake wakatsuŋga kumubvunza, kuti: Ndimi aniko? Ʋaciziʋa kuti ndiyeShe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Uyai mudye.” Hapana kana mudzidzi mumwe chete akabvunza kuti, “Ndimi aniko?” Vakaziva kuti ainge ari Ishe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavati, “Chiuyai mudye.” Hapana akamboti regai ndimubvunze kuti ndimi ani. Vaitozviziva kuti ndiTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe.
Shona 2009?
Jesu akati kwavari: Vuyai mudye. Asi kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza \add kuti\add*: Ndimwi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Uyai, musvusvure.” Kwakanga kusina mumwe wavadzidzi vake akatsunga kumubvunza, kuti, “Ndimi aniko?” Vachiziva kuti ndiye Ishe.