John 21:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaȿuȿura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mŋanakomana waJona, unoruɗo neni kupfuʋura aʋa here? Akati kwaari: Hoŋo, Ishe; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?” Akati, “Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwayana angu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapedza kudya kwamangwanani Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.”
Shona 2009?
Zvino vakati vadya, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, waJona, unondida kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Akati kwaari: Fudza makwayana angu,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kuna Simoni Petirosi, “Simoni, mwanakomana waJona uno rudo neni kupfuura ava here?” Akati kwaari, “Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwayana dzangu.”