John 21:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaari rwecitatu: Simoni, mŋanakomana waJona: Unondiɗa here? Petro akarwadziwa mŋoyo, nokuti wakati kwaari rwecitatu: Unondiɗa here? Akati kwaari: Ishe, munoziʋa ɀose; munoziʋa kuti ndinokuɗai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai aŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatizve kwaari kechitatu, “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Petro akarwadziwa nokuti Jesu akanga amubvunza kechitatu achiti, “Unondida here?” Akati, “Ishe, imi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati, “Fudza makwai angu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza nokuti akamuti rwechitatu, “Unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu.
Shona 2009?
Akati kwaari rwechitatu: Simoni waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, imwi munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwaari rwechitatu, “Simoni, mwanakomana waJona, Unondida here?” Petirosi akarwadziwa mwoyo, nokuti akati kwaari rwechitatu, “Unondida here?” Akati kwaari, “Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akati kwaari, “Fudza hwai dzangu.