John 21:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Uciri jaya, waiɀisuŋga ciʋuno, ucifamba kwawaiɗa; asi kana wakwegura, ucatambanudza maʋoko ako, mumŋe ucakusuŋga ciʋuno, acikuisa kwausiŋgaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudza chokwadi kuti, zvawakanga uchiri muduku waizvipfekedza uye uchienda kwaunoda; asi kana wakura, uchatambanudza maoko ako, uye mumwe zvake achakufukidza agokutungamirira kwausingadi kuenda.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwauri, “Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda kwaunoda asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchiri jaya, waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako, mumwe achakusunga chiuno, achikuisa kwausingadi.”
Shona 2009?
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri muduku, waizvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achi\add ku\add*isa kwausingadi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, uchiri jaya, waizvisunga chiuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza maoko ako, mumwe achakusunga chiuno, achikuisa kwausingadi.”