John 21:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Petro akatendeʋuka, akaʋona uya mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, aciteʋera; ndiye ʋo wakasendamira pacifuʋa cake pacirayiro, aciti: Ishe, ndianiko ucakupandukirai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akacheuka akaona mudzidzi uya aidikanwa naJesu achivatevera. (Ndiye uya akanga akasendamira pana Jesu panguva yechirariro uye akanga ati, “Ishe ndianiko achakupandukirai?”)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna Jesu, “Tenzi ndiani ari kuzokupandukira?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Petirosi akatendeuka, akaona uya mudzidzi, aidikanwa naJesu, achitevera; ndiyewo akasendamira pachipfuva chake pachirariro, achiti, “Ishe, ndianiko achakupandukirai?”
Shona 2009?
Petro akatendevuka akavona uya mudzidzi waidikamwa naJesu achitevera, ndiyevo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro akati: Ishe, ndianiko uchakupandukirai?
Shona SUB 2002 Bible
Petirosi akatendeuka, akaona uya mudzidzi, aidikanwa naJesu, achitevera; ndiyewo akasendamira pachipfuva chake pachirariro, achiti, “Ishe, ndianiko achakupandukirai?”