John 21:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe? Unditeʋere iwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Kana ndichida kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe? Unofanira kunditevera iwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe. Chako iwe kunditevera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo? Nditevere iwe.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.”