John 21:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haaŋgazofi. Asi Jesu haana‐kureʋa kwaari, kuti haaŋgazofi, asi kuti: Kana ndikaɗa kuti agare kuȿikira ndiciʋuya, uneiko naɀo iwe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwaizvozvo, shoko rakapararira pakati pehama kuti mudzidzi uyu haaizofa. Asi Jesu haana kureva izvozvo kuti haaizofa; akangoti, “Kana ndichida hangu kuti arambe ari mupenyu kusvikira ndichidzoka, unei nazvo iwe?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakabva pava norunyerekupe munevehama rwokuti mudzidzi iyeyu akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi kuzofa asi akanga angoti, “Ko kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?”
Shona 2009?
Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi; asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi; asi \add wakati\add*: Kana ndichida kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti, “Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichiuya, uneiko nazvo iwe?”