John 21:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiyoyu mudzidzi unopupura iɀoɀi, wakaɀinyora ʋo; tinoziʋa kuti kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiyeyu mudzidzi anopupura zvinhu izvi, uye akazvinyora. Tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iyeyu ndiye mudzidzi ari kupupura zvinhu izvi uye ndiye akanyora zvinhu izvi uyewo tinoziva kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndiwoyu mudzidzi anopupura izvozvi, wakazvinyorawo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
Shona 2009?
Ndiyeyu mudzidzi unopupura zvinhu izvi, nokunyoravo zvinhu izvi; zvino tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.
Shona SUB 2002 Bible
Ndiwoyu mudzidzi anopupura izvozvi, wakazvinyorawo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwechokwadi.