John 21:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀimŋe ɀizhinji ɀiri’ko, ɀakaitwa ʋo naJesu; kana ɀainyorwa cimŋe necimŋe, ndinoti kunyaŋge nenyika yose haiŋgariŋgani buku dziŋganyorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akaitawo zvimwe zvinhu zvizhinji. Dai zvose zvainyorwa, ndinoti kunyange nyika yose hayaizova nenzvimbo yaikwana mabhuku aizonyorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa naJesu. Dai kuri kuti zvainyorwa zvose chimwe nechimwe; ndinofunga kuti nyika yaitopata namabhuku acho aigona kunyorwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwawo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa.
Shona 2009?
Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwa naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti: Kunyange nenyika yose haizairingana bhuku dzinganyorwa. Amen.
Shona SUB 2002 Bible
Zvimwe zvizhinji zviriko zvakaitwawo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyangwe nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa.