John 21:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mudzidzi uya, waiɗikanwa naJesu, akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati acinzwa kuti ndiShe, akasuŋga ŋguʋo yake, nokuti wakaŋga asina, akaɀiwisira muguŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mudzidzi aidikanwa naJesu akati kuna Petro, “NdiShe!” Simoni Petro paakangonzwa kuti, “NdiShe,” akazvimonera nguo yake yokunze (nokuti akanga aibvisa) akabva asvetukira mumvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzidzi uya waJesu wapamwoyo akati kuna Pita, “NdiTenzi wani avo.” Simoni Pita paakazvinzwa kuti ndiTenzi, akapfeka hanzu yake yapamusoro ndokungozvimoneredza nokuti akanga asina chaakapfeka ndokusvetukira mugungwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa.
Shona 2009?
Zvino mudzidzi uya waidikamwa naJesu akati kunaPetro: NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake yokunze, nokuti wakanga asina kusimira, akazviwisira mugungwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mudzidzi uya, aidikanwa naJesu, akati kuna Petirosi, “NdiIshe.” Ipapo Simoni Petirosi akati achinzwa kuti ndiIshe, akasunga nguo yake, nokuti akanga asina, akazviwisira mugungwa.