John 21:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaȿika panyika, ʋakaʋona mŋoto wamazimbe waʋeswa, nehoʋe yakaiswa pamsoro pawo, neciŋgwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vasvika kumahombekombe, vakaona moto wamazimbe uchipfuta une hove pamusoro pawo, uye nechingwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakasvika pamahombekombe vakaona moto wamazimbe nehove iri pamusoro pawo nechingwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.
Shona 2009?
Zvino vakati vachangosvika panyika, vakavona moto wamazimbe ipapo, nehove yakaradzikwa pamusoro pawo, nechingwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vasvika panyika, vakaona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.