John 3:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kutoŋgwa ndokuku, kuti ciedza cakaȿika panyika, asi ʋanhu ʋakaɗa rima kupfuʋura ciedza, nokuti maɓasa aʋo akaŋga akaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutongwa ndokuku: Chiedza chakasvika munyika, asi vanhu vakada rima panzvimbo yechiedza nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mhosva yacho ndeyiyi yokuti chiedza chakauya pasi pano asi vanhu vakada rima panze pokuda chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Shona 2009?
Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.