John 3:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaʋuya kwaari ʋusiku, akati kwaari: Rabi, tinoziʋa kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMŋari; nokuti hakunomunhu unogona kuita ɀiratidzo iɀoɀo ɀamunoita, kana Mŋari asi naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu akauya kuna Jesu nousiku akati kwaari, “Rabhi tinoziva kuti muri mudzidzisi wakabva kuna Mwari nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo zvamunoita kunze kwokuti Mwari ainaye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.”
Shona 2009?
Iye wakavuya kuna Jesu vusiku, akati kwaari: Mudzidzisi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zvishamiso izvi zvamunoita, kunze kokuti Mwari anaye.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akauya kwaari usiku, akati kwaari, “Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi akabva kuna Mwari; nokuti hakuna munhu anogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asiri naye.”