John 3:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mumŋe nomumŋe, unoita ɀakaipa, unoʋeŋga ciedza, haaʋuyi paciedza, kuti maɓasa ake arege kuɓuɗiswa pacena.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti munhu wose anoita zvakaipa anovenga chiedza uye haauye kuchiedza kuitira kuti mabasa ake arege kuburitswa pachena.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.
Shona 2009?
Nokuti mumwe nomumwe unoita zvakaipa unovenga chiedza, uye haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kusvorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.