John 3:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo Jesu wakaȿika munyika yeJudea, naʋadzidzi ʋake, akagara’ko naʋo acibapatidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Jesu navadzidzi vake vakabuda vakaenda kunyika yeJudhea, uko kwaakandogara navo kwechinguva, uye akabhabhatidza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi Jesu navadzidzi vake vakaenda kunyika yeJudhea. Akambogarako navo achiombeka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo Jesu akasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza.
Shona 2009?
Shure kwaizvozvo Jesu navadzidzi vake vakasvika munyika yeJudhiya, ipapo akagara navo achibhabhatidza.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo Jesu akasvika munyika yeJudhiya, navadzidzi vake, akagarako navo achibhabhatidza.