John 3:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋuya kunaJohane, ʋakati kwaari: Rabi, uya waiʋa nemi mhiri kwaJoridani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobapatidza, ʋuye ʋose ʋanoʋuya kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakauya kuna Johani uye vakati kwaari, “Rabhi, uya murume wamakanga muinaye mhiri kwaJorodhani, iye wamakapupura nezvake, onai, ari kubhabhatidza, uye vanhu vose vari kuenda kwaari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakauya kuna Johani vakati, “Rabhi munhu uya wamaiva naye kumhiri kwaJorodhani wamakapupurira uya hoyo wavakuombeka, vanhu vose vavakuenda kwaari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.”
Shona 2009?
Vakavuya kuna Johwani, vakati kwaari: Mudzidzisi, uya waiva nemwi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, ndiye unobhabhatidza, uye vose vanoenda kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Vakauya kuna Johani, vakati kwaari, “Rabhi, uya aiva nemi mhiri kwaJodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vose vanouya kwaari.”