John 4:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nguva iri kuuya uye yatosvika ichanamatwa Baba navanamati vechokwadi vanomunamata muMweya nomuchokwadi nokuti Baba vanotsvaka vakadai kuti vavanamate.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata baba mumweya nechokwadi; nokuti baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
Shona 2009?
Asi nguva inovuya, nazvino yatova iyo, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamunamate.
Shona SUB 2002 Bible
Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nechokwadi vachanamata Baba mumweya nechokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.