John 4:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya anonzi Kristu ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uya akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesia ari kuuya iye anonzi Kristu. Kana auya achatiratidza zvinhu zvose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.”
Shona 2009?
Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvinhu zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akati kwaari, “Ndinoziva kuti Mesiasi anouya, anonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvose.”