John 4:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaȿika, ʋakashamiswa ʋaciʋona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyaŋge ɀakaɗaro hakuno mumŋe wakati: Munotȿakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo ndipo pakabva pauya vadzidzi vake. Vakashamiswa kuti aitaura nomunhukadzi. Asi hapana akati, “Munodei kwaari?” Kana kuti, “Munotaurirei naye?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?”
Shona 2009?
Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa kuti unotaura nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachiona kuti anotaurirana nomukadzi; kunyangwe zvakadaro hakuna mumwe akati, “Munotsvakeiko kwaari?” Kana, “Munotaurireiko naye?”