John 4:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko imi hamuti: Kwasara mŋedzi minna, kuceka kwaȿika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, ʋonai minda, kuti yatoibvira kuceka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Handiti munoti, ‘Kwasara mwedzi mina kukohwa kwobva kwauya?’ Asi ini ndinoti kwamuri, ‘Simudzai musoro muone kuti minda yatsvuka, yoda kukohwiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe.
Shona 2009?
Ko imwi hamuti: Kwasara mwedzi mina, \add kuti\add* kukohwa kusvike? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, mutarire kuminda, kuti yatochena yamirira kukohwa.
Shona SUB 2002 Bible
Ko imi hamuti, ‘Kwasara mwedzi mina, kukohwa kwasvika?’ Tarirai, ini ndinoti kwamuri, simudzai meso enyu, onai minda, kuti yatochena kuti ikohwiwe.