John 4:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unoceka unopiwa muɓairo, unoʋuŋganidza ɀiɓereko muʋupenyu bgusiŋgaperi; kuti unokusha nounoceka ʋafare ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukohwi ava kuwana mubayiro wake uchaunganidza muchero wokuupenyu husingaperi zvokuti mudyari nomukohwi vafare pamwechete.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anocheka anopiwa mubayiro, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose.
Shona 2009?
Unokohwa unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muupenyu bwusingaperi; kuti vose unokusha nounokohwa vafare pamwechete.
Shona SUB 2002 Bible
Anocheka anopiwa mubairo, anounganidza mbesanwa muupenyu husingaperi; kuti anokusha naanocheka vafare vose.