John 4:42 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kumukadzi: Haticatendi nokureʋa kwako; taɀinzwira timene, tinoziʋa kuti uyu ndiye Muponesi wenyika ɀirokwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ivo vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; uye zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati kumudzimai uya, “Zvino hatitendi pamusana pamazwi ako nokuti isu tazvinzwira toga. Tavakuziva kuti zvechokwadi uyu ndiye Muponesi wapasi pose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”
Shona 2009?
Vakati kumukadzi: Ikozvino hatichatendi nokureva kwako; nokuti tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Kristu Muponesi wenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kumukadzi, “Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uye ndiye Muponesi wapasi pose.”