John 4:47 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye wakati acinzwa kuti Jesu wabva Judea, waȿika Garirea, akaenda kwaari, akamunyeŋgetera kuti aɓuruke kundoporesa mŋanakomana wake; nokuti wakaŋga wotandadza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu akati anzwa kuti Jesu asvika muGarirea achibva kuJudhea, akaenda kwaari akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake, uyo akanga ava pedyo nokufa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga auya kuGarirea achibva kuJudhea akaenda akandomukumbira kuti auye azoporesa mwanakomana wake nokuti akanga avapedyo nokufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati achinzwa kuti Jesu abva Judhea, asvika Gariria, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti akanga achitandadza.
Shona 2009?
rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya, wasvika Gariri, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire kuzoporesa mwanakomana waro; nokuti wakanga wotandadza.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati achinzwa kuti Jesu abva Judhiya, asvika Gareriya, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti akanga achitandadza.