John 4:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJuda, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti ʋaJuda haʋafambidzani naʋaSamaria).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi muSamaria akati kwaari, “Iwe uri muJudha uye ini ndiri muSamaria. Seiko uchikumbira kwandiri mvura yokunwa?” (Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.)
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukadzi uya wechiSamaria akati kwaari, “Zvauya sei kuti imi muJudha mukumbire mvura yokunwa kuneni mukadzi wechiSamaria.” Aidaro nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).
Shona 2009?
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko zvingaitika sei kuti iwe uri muJudha, ukumbire kumwa kwandiri, ini ndiri mukadzi muSamaria? Nokuti vaJudha havadyidzani navaSamaria.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari, “Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kunwa, ini mukadzi muSamaria?” (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).