John 5:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaŋga aporeswa, haana‐kuziʋa kuti ndiani; nokuti Jesu wakaŋga abva, ɀakwaiʋa naʋanhu ʋazhinji panɀimbo iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu akanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.
Shona 2009?
Zvino wakanga aporeswa haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva nechaunga panzvimbo \add iyoyo\add*.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu akanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.