John 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwaiɀoɀo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza ɀe, kuti urege kuɓatwa necinhu cakaipa cinokunda cici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutemberi, akati kwaari, “Tarira, waporeswa; usatadzazve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.”
Shona 2009?
Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira iwe waporeswa; usatadzazve, zvimwe chinhu chakaipa nokupfuvurisa chingakubata.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutemberi, akati kwaari, “Tarira, waporeswa; usatadzazve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda ichi.”