John 5:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ɀino ʋaJuda ʋakatȿaka ɀikuru kumuʋuraya, nokuti wakaŋga asiŋgaputsi murairo we saɓata ɓedzi, asi wakati ʋo Mŋari ndiƂaɓa ʋake, aciɀienzanisa naMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuuraya, nokuti akanga asingatyori murayiro weSabata bedzi, asi akatiwo Mwari ndibaba vake, achizvienzanisa naMwari.
Shona 2009?
Naizvozvo vaJudha vakawedzera kutsvaka kumuvuraya, nokuti wakanga asingadariki sabata bedzi, asi wakativo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuuraya, nokuti akanga asingatyori murairo weSabata bedzi, asi akatiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.