John 5:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Mŋanakomana haagoni kuita cinhu oga, kana asiŋgaʋoni Ƃaɓa ʋaciciita; nokuti ɀose ɀaʋanoita iʋo, Mŋanakomana unoɀiita saiɀoɀo ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.
Shona 2009?
Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita chinhu chomusoro wake, kana asingavoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ndizvo zvinoitavo Mwanakomana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akapindura, akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mwanakomana haagoni kuita chinhu oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo.