John 5:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋanomuratidza ɀose ɀaʋanoita ʋamene; ʋacamuratidza maɓasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe.
Shona 2009?
Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita ivo; vachamuratidza mabasa makuru anopfuvura awa, kuti mushamiswe.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kuna iwawa, kuti mushamiswe.