John 5:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Handigoni kuita cinhu ndoga; ndinotoŋga seɀandinonzwa; kutoŋga kwaŋgu kwakarurama, nokuti handitȿaki kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hapana chandinogona kuita nokwangu ndoga. Sokunzwa kwandinenge ndaita kuna Baba ndiwo matongero andinoita; uye kutonga kwangu kwakarurama nokuti handitsvaki kuita kuda kwangu, asi kuda kwaiye akandituma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma.
Shona 2009?
Handigoni kuita chinhu chomusoro wangu; sezvandinonzwa, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.
Shona SUB 2002 Bible
“Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma.