John 5:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndinecapupu cikuru kunaJohane; nokuti maɓasa andakapiwa naƂaɓa kuti ndiapedze, iwo maɓasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti Ƃaɓa ʋakandituma.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi uchapupu hwandinahwo hukuru kupinda hwaJohani nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, mabasa iwayo andiri kuita anondipupurira kuti Baba ndivo vakandituma.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nokuti mabasa andakapiwa nababa kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti baba vakandituma.
Shona 2009?
Asi ini ndinevuchapupu vukuru \add bwa\add*Johwani; nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, ndiwo mabasa andinoita, anondipupurira kuti Baba vakandituma.
Shona SUB 2002 Bible
Ini ndine chapupu chikuru kuna Johani; nokuti mabasa andakapiwa naBaba kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoita, ndiwo anondipupurira kuti Baba vakandituma.