John 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akatora ɀiŋgwa; akaʋoŋga, akaɀipa ʋakaŋga ʋagere pasi; nehoʋe ʋo saiɀoɀo paʋaiɗa napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu ndokutora zvingwa zviya otenda Mwari ndokuzvigovera kuvanhu vakanga vakagara pasi. Akaita zvimwechetezvo nehove dziya. Akavapa pamadiro avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo.
Shona 2009?
Zvino Jesu akatora zvingwa; akati avonga, akagovanisa vadzidzi vadzidzi \add vakagovanisa\add* vakanga vagere pasi; nehovevo saizvozvo pavaida napo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo.