John 6:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aʋa maŋgwana ʋanhu ʋazhinji, ʋakaŋga ʋamire mhiri kweguŋgwa, ʋakaʋona kuti pakaŋga pasinerimŋe igwa ɗuku ipapo, asi iro rimŋe makaŋga mapinda ʋadzidzi ʋake, mariri, ʋuye kuti Jesu haana‐kupinda mugwa naʋadzidzi ʋake, asi kuti ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋaenda ʋoga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Fume mangwana, vanhu vazhinji vakanga vasara mhiri kwegungwa vakatanga kuona kuti pakanga pachingova neigwa rimwe chete ipapo, uye kuti Jesu haana kunge apinda mariri kuti aende navadzidzi vake, asi kuti vakanga vaenda vari voga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ramangwana racho, vanhu vaya vakasara kumhiri kwegungwa, vakazviona kuti pakanga pane igwa rimwechete chete ipapo. Uye kuti Jesu haana kunge apinda muigwa iroro pamwechete navadzidzi vake asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.
Shona 2009?
Fume mangwana chaunga chakanga chimire kune rumwe rutivi rwegungwa, pachakavona kuti pakanga pasina chimwe chikepe chiduku ipapo, kunze kwechimwe makanga mapinda vadzidzi vake, machiri, uye kuti Jesu haana kupinda navadzidzi vake muchikepe chidiki, asi vadzidzi vake vakaenda voga.
Shona SUB 2002 Bible
Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.