John 6:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
(Asi mamŋe magwa maɗuku akaŋga abva Tiberiasi, akaȿika pedyo paʋakadyira ɀiŋgwa, Ishe amboʋoŋga).
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi pane magwa akabva kuTibheriasi akasvikawo pedyo nenzvimbo yavakadya chingwa chiya mushure mokunge Tenzi ambotenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).
Shona 2009?
Asi kwakasvika zvimwe zvikepe zvidiki zvaibva Tibheriyasi pedo nenzvimbo pavakambodyira zvingwa, mushure mokunge Ishe ambovonga.
Shona SUB 2002 Bible
(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).