John 6:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakati ʋaʋona, kuti Jesu haa’po, naʋadzidzi ʋake, ʋakapinda ʋamene mumagwa maɗuku, ʋakaȿika Kapernaume, ʋacitȿaka Jesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vazhinji vakati vaona kuti Jesu navadzidzi vake vakanga vasisipo, vakapinda mumagwa ndokuenda kuKapenaume vachitsvaka Jesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vanhu pavakaona kuti Jesu akanga asipo pamwechete navadzidzi vake, ivo pachavo vakapinda mumagwa aye vakaenda kuKapenaumu kundotsvaka Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
Shona 2009?
Zvino naizvozvo chaunga chakati chavona, kuti Jesu haapo, kana vadzidzi vake, vakapindavo vamene muzvikepe zvidiki, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.