John 6:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, muri kunditsvaka, kwete nokuda kwokuti makaona zviratidzo, asi nokuda kwokuti makadya zvingwa uye mukaguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akavapindura achiti, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri hamusi kunditsvaka nokuti makaona zviratidzo asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
Shona 2009?
Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zvishamiso, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.