John 6:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Musashandire chokudya chinopera asi chokudya chinogara kusvikira kuupenyu husingaperi chamunopiwa noMwanakomana womunhu, nokuti Mwari Baba vakaisa rupawo rwavo paari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.”
Shona 2009?
Musashandira zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinogara kusvika kuupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Mwari Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti Baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.”