John 6:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haasi Mozisi akakupai chingwa chakabva kudenga, asi kuti ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari: “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri, haasi Mosesi akakupai chingwa chinobva kudenga. Baba vangu ndivo vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.
Shona 2009?
Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mozisi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga.