John 6:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye uku ndiko kuda kwaiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa navose vaakandipa, asi kuti ndivamutse pazuva rokupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuda kwewakandituma ndokuku kwokuti handifaniri kurasikirwa nechose zvacho chaanenge andipa asi kutochimutsa pazuva remhedziso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira.
Shona 2009?
Uku ndiko kuda kwababa vakandituma, kuti pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.
Shona SUB 2002 Bible
Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira.