John 6:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Hapana angauye kwandiri kana Baba vakandituma vasina kutomukweva. Iniwo ndichazomumutsa nezuva rokupedzisira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
Shona 2009?
Hakuna munhu ungavuya kwandiri, kunze kokuti Baba vakandituma vamukweva; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.