John 6:45 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakanyorwa muvaporofita kuti, ‘Vose vachadzidziswa naMwari. Munhu wose anoteerera Baba nokudzidza kwavari anouya kwandiri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri.
Shona 2009?
Zvakanyorwa muvaporofita \add zvichinzi\add*: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe naizvozvo wakanzwa akadzidza naBaba, unovuya kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna Baba, akadzidza, anouya kwandiri.