John 6:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ha ndireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hazvirevi kuti pana akamboona Baba kusiya iye akabva kuna Mwari ndiye akaona Baba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba.
Shona 2009?
Kwete kuti kune munhu wakavona Baba; kunze kweuyo unobva kunaMwari, ndiye wakavona Baba.
Shona SUB 2002 Bible
Handirevi kuti kune munhu akaona Baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona Baba.