John 6:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati acitarira, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaciʋuya kwaari, akati kunaFiripo: Tiŋgateŋgepiko ɀiŋgwa, kuti ʋanhu aʋa ʋadye?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tichatenga chingwa kupiko chokuti vanhu ava vadye?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakasimudza musoro akaona manyoramanyore avanhu achiuya kwaari. Akati kuna Firipi, “Tichatenga kupi chingwa chokuti vanhu ava vadye.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?”
Shona 2009?
Zvino Jesu paakasimudza meso, wakavona chaunga chikuru chichivuya kwaari, akati kuna Firipi: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?”