John 6:51 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Kana munhu upi zvake akadya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa ichi inyama yangu, yandichapa nokuda kwoupenyu hwenyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ini ndini chingwa chipenyu chakaburuka kubva kudenga. Munhu wose anodya chingwa ichi, achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose, inyama yangu pachangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
Shona 2009?
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kubva kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, uchararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa inyama yangu, yandichapa bwuve upenyu bwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”