John 6:57 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichararama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokutumwa kwandakaitwa naBaba vapenyu uye kuti ndinoraramiswa naBaba ndizvozvowo zvinoita vanondidya vachararamiswa neni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni.
Shona 2009?
Baba vapenyu sezvavakandituma, neni ndinorarama naBaba; saizvozvo unondidya, naiyevo uchararama neni.
Shona SUB 2002 Bible
Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama naBaba; saizvozvo anondidya, achararama neni.