John 6:58 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chisina kufanana nechakadyiwa, namadzitateguru enyu vakafa. Anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”
Shona 2009?
Ichi ndicho chingwa chiya chakaburuka kubva kudenga; hazvina kuita samadzibaba enyu akadya mana* akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.”