John 7:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanuŋuna ʋake ʋakati ʋakwira kumutambo, iye akabva okwira ʋo, asiŋgaendi pacena, asi paneŋge sapakaʋanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisinei hazvo, shure kwokuenda kwavanun'una vake kuMutambo, iye akazoendawo, kwete pachena, asi muchivande.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.
Shona 2009?
Asi vanun'una vake vakati vakwira, iyevo pachake akabva okwira kumutambo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanun'una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwirawo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.