John 7:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuŋuŋuna kukuru kukaʋa’po pakati paʋazhinji pamsoro pake, ʋamŋe ʋaciti: Wakanaka; ʋamŋe ʋaciti: Kwete, unotsausa ʋanhu ʋazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji vaingozeverana nezvake kwose kwose. Vamwe vaiti, “Munhu akanaka,” vamwe vachiti, “Kwete, anonyengera vanhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.”
Shona 2009?
Kun'un'una kukuru kukavapo pakati pechaunga pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; asi vamwe vachiti: Kwete, asi unotsausa chaunga.
Shona SUB 2002 Bible
Kugun'un'una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti, “Akanaka;” vamwe vachiti, “Kwete, anotsausa vanhu vazhinji.”