John 7:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciɗa kuita kuɗa kwake, ucaziʋa kana kudzidzisa uku kucibva kunaMŋari, kana ndiciɀitaurira ndimene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akasarudza kuita kuda kwaMwari, achazoona kuti kudzidzisa kwangu kunobva kuna Mwari kana kuti ndinongotaura ndoga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu ane chido chokuita zvinoda Mwari anobva aziva kuti rudzidziso urwu runobva kuna Mwari here, kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.
Shona 2009?
Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva zvedzidziso kana ichibva kunaMwari, kana kuti ndinotaura zvemusoro wangu.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achida kuita kuda kwake, achaziva kana kudzidzisa uku kuchibva kuna Mwari, kana ndichizvitaurira ndimene.