John 7:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dziŋgiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadziɓaɓa); ɀino imi munodziŋgisa munhu nesaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi nokuda kwokuti Mozisi akakupai kudzingiswa (kunyange zvazvo kusina kubva kuna Mozisi, asi kumadzibaba enyu), imi munodzingisa mwana nomusi weSabata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata.
Shona 2009?
Naizvozvo Mozisi wakakupai dzingiso, (kusiri kuti ndeyaMozisi, asi yamadzibaba); zvino imwi nemusi wesabata munodzingisa munhu.
Shona SUB 2002 Bible
Nemhaka iyi Mosesi akakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu neSabata.